Hurumende yazivisa kuti munyika hamuna Hantavirus


Gurukota rezveutano Dr Douglas Mombeshora 12 May 26

Click here to watch video

Hurumende yazivisa kuti munyika hamuna chirwere che Hantavirus.

Mashoko aya anotevera kudzoswa kwevashandi vehutano vatatu avo vakasangana nevamwe vakabatwa chirwere ichi vari muchikepe The MV Hondius munyanza yeAtlantic.

Gurukota rezveutano va Dr Douglas Mombeshora vakazivisa kuti vatatu ava vakaongororwa vakawanikwa vasina utachiona hwechirwere ichi ,uye pane matanho ekuti vasasangane neveruzhinji panguva yavachange vachiongororwa senzira yekudzivirira.

Pavanhu vaive muchikepe ichi kusvika musi wa 12 Chivabvu 2026 vatatu vakaurawa nechirwere ichi uye vanomwe vakawanikwa vaine utachiona hacho.

Chikepe ichi change chakatakura vanhu vanosvika zana nemakumi mashanu.