18 Aug 26
Munyori : Tonderai Mari
Njodzi yekuKariba iyo yakawira mazana evanhu yakasiya hurumende ichisvoda zvikuru uye yokurudzirwa kuti itarisise nekuvandudza nzira dzokudzivirira njodzi mukufamba kunoita veruzhinji.
Kukudubuka kwechikepe chinotakura vanhu kuKariba musi wa 11 Nyamavhuvhu 2026 ,kwakasiya vanodarika makumi mapfumbamwe varasikirwa nehupenyu.
Kubva mumashoko evagari venzvimbo yeKariba pamwe chete neavo vakawirwa nenjodzi ,zvakave pachena kuti pane zvizhinji zvinoda kuvandudzwa senzira yekuchengetedza upenyu kubva munjodzi dzemhando iyi.
Panofanira kuve nezvikepe zvinodarika chimwe chete ,zvine basa rekurerutsira vanofamba munzvimbo iyi.Chikepe chimwe chete chinoita kuti pave nedambudziko rekuzarisa kudarikidza mwero.
Kushaikwa kwemigwagwa yakanaka inofamba nemabhazi kana motikari ndechimwe chikonzero chaikonzera kuti chikepe ichi chipedzisire chowandirwa.
Chiitiko ichi mufananidzo uye mucherechedzo wemamiriro akaita zvinhu zvikuru munzvimbo dzekumaruwa muZimbabwe uko kunowanikwa zvekufambisa zvishoma nekuda kwekushata kana kushaikwa kwemigwagwa.
Hurumende ndiyo ine basa rokuona kuti veruzhinji vawaniswa zvekufambisa zvakanaka uye kuti mitemo nenzira dzekudzivirira njodzi dziri kutevedzwa.
Posted on:09 Jul 2026
Posted on:16 Apr 2026
Posted on:07 Aug 2025
Posted on:11 Feb 2025
Posted on:22 Nov 2024
Posted on:02 Jul 2024
Posted on:06 Feb 2024
Posted on:21 Nov 2023
Posted on:16 Nov 2023
Posted on:05 Jun 2023
Posted on:14 Dec 2022
Posted on:01 Nov 2022