Imhosva kuita zvemushika-shika


Amaveni police Station Kwekwe 31 Jan 25

Click here to watch video

Mapurisa eZimbabwe Republic Police vokurudzira veruzhinji kuti vasashandise motokari dzinotakura vanhu zviri kunze kwemutemo ,dzinozivikanwa kuti mishikashika .

Mapurisa mudunhu reKwekwe vakasunga motikari dzinodarika makumi mana nemapfumbamwe dzinotakura vanhu zviri kunze kwemutemo uyewo nedzimwe mhosva dzakatsaukana.

Vachitaura nevatori venhau pakamba yeAmaveni Police station nemusi wechishanu 31 Ndira 2025

Vakamirira mukuru wemapurisa mudunhu reKwekwe Chief Superintendent Enock Chishiri ,Superintendent Vulindlela Jamela vakati ivo vari kutsigira chirongwa chiri kuitwa munyika yose chinonzi ‘No to mushikashika’ icho chakanangana nekurwisana nekuparwa kwemhosva dzinokonzerwa nemotokari dzinotakura vanhu zviri kunze kwemutemo.

‘’vemotokari dzinotenderwa kutakura veruzhinji havachakwanisi kuzviita nokuda kwemotikari diki dzinoshanda zviri kunze kwemutemo idzo dzinomira pose pose dzichikonzera traffic congestion mumigwagwa’’

‘’sedunhu reKwekwe takwanisawo kusunga motokari dzinofamba dzisina ma number plates idzo dzinogona kushandiswa kuita mabasa ekuparwa mhosva apo vanhukadzi vanobirwa kana kubatwa chibharo.’’

‘’tinokurudzira veruzhinji kuti varegedze kushandisa motokari idzi’’ vakadaro vaJamela.

Verizhinji vanoyambirwa pamwe nokuziviswa kuti chirongwa ichi chichiri kuenderera mberi ,uyewo pane kurudziro yokuti kunevaya vanoda kupinda mubhizimusi rokutakura weruzhinji vatevedze nzira dziri pamutemo kuti vatendedzwe kuita basa iri.