Jongwe dema rine mucheka mutsvuku padare redzimhosva muKwekwe


07 Jul 25

Click here to watch video

Vashandi wepa Kwekwe Magistrate Court nhasi vamuka vasina romuromo mushure mekuwana pabasa pavo pachimberereka jongwe dema range rakasungirirwa mucheka mutema mumutsipa waro.

Jongwe iri rataridza kusatya kana kuvhunduka vanhu avo vanga vakarikomberedza vachitora mapikicha uye ranga risingadi kubva panzvimbo iyi.

Chaita kuti vashandi vanyanyo kushamiswa ndechokuti misha inogara vanhu iri kure ,zvinotaridzira kuti jongwe iri rinogona kunge rakaita zvekukandiwa .

Asi vamwe vari kufungira kuti chiitiko ichi chinogona kuve nechokuita nemusungwa kana kuti munhu ane nyaya yake mudare iri.

Vamwe vanotenda kuti nzira dzechivanhu dzinogona kushandiswa kushandurudza mitongo mumatare edzi mhosva.

‘’pane munhu chete ari kuda kuti mhosva yake irasirwe kure kana kuti nyaya yacho ishaye simba’’ akadaro mumwe mugari wemukwekwe anoshandira muguta iri asina kuda kudomwa nezita

Asi kune vamwe vanoramba nyaya dzekushandiswa kwemishonga kana zviitiko zvakaita seizvi.

‘’kungotyisidzira vanhu chete uku ,hapana zviripo, nokuti hapana mushonga unobata pasina chironda’’

‘’ngavatore jongwe iri vakande muoto’’ akadaro Malvin Dube uyo akati haatendi muzviitiko zvakaita seizvi.