Kariba neHurungwe zvaiswa paLockdown


12 Jun 21

Click here to watch video

hurumende yaisa matunhu ekariba neHurungwe paCovid-19 Lockdown kwemasvondo maviri. Zvinotevera kukwirira kwakaita vanhu vari kubatwa nechirwere ichi mumazuva mashoma achangodarika. Izvi zvakazviviswa naChief Director Curative Services mubazi re Ministry of Health and Child Care, vaDr Maxwell Hove. 'Vanhu vanodarika makumi mana vakabatwa chirwere ichi mazuva matatu adarika,nokudaro taona zvakakodzera kuti nzvimbo idzi dzimboenda paLockdown senzira yokuderedza kupararira nokutapukira kwechirwere ichi.Lockdown iyi ichizotarisiswa zvakare mushure memasvondo maviri' vakadaro vaHove. 'vanhu vanogara kunze kwematunhu aya vanokurudzirwa kumbomira kushanyira nzvimbo iyi.Voruzhinji vanokurudzirwa kutevedzera nzira dzose dzokuzvidzivirira kuchirwere ichi' vakadaro. Dunhu reKwekwe rakapamhidzirwavo mazuva eLockdown senzira yokuderedza kutapukira kwechirwere ichi zvichitevera kufa kwemumwe muzvina bhizimusi Robson Kadenhe musi wa12 May 2021 nehutachiona hwemhando yeCovid-19 yakatanga kuonekwa kunyika yeIndia.