23 Dec 24
Sangano reGrace Abound Church muKwekwe rakagovera zvekudya kumhuri mazana maviri dzevanoshaya uye nevamwe vanorarama neurema.
Pagungano rakaitirwa pakarekeke yavo musi wemugovera 21 Zvita 2024 vazhinji vakabva vakagukuchira zvipo zvekudya.
Mutungamiri wesangano iri Muporofita Effort Vakai Maposa vakati ibasa rekereke kutarisira vanoshaya munharaunda dzainenge iri.
‘’rudo harungave rudo kunze kwekuti kana ruchinge rwagoverwa kune vamwe’’
‘’tinopemberera rudo rwaMwari nokupa kwavakaita mwanakomana wavo mumwe chete kuti azotidzikinura ,nesuwo tinogamuchidzawo rudo kune vamwe vatigere navo’’
VaMaposa vakati sangano ravo rakatangisa chirongwa ichi makore gumi adarika ,uye chiri kuramba chichisimukira sezvo huwandu hwevarikubatsirika nacho varikuwedzerawo
‘’takavamba chirongwa ichi mugore ra2014 apo takakwanisa kubatsira vanhu gumi nevana chete ,asi iye nhasi tine mufaro sezvo vanhu mazana maviri vawana rubatsiro’’vakadaro vaMaposa.
Rubatsiro panguva yakadai runonyautsa moyo yevazhinji takatarisana nemhemberero dzekisimusi
Kusanduka munezve mamiriro ekunze pamwe nekuoma kwezveupfumi munyika koita kuti wakawanda vanonge svosve nemuromo ,asi zvakadaro nguva yekisimusi inotarisirwa zvikuru.