11 May 26
Mapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) vari kukurudzira veruzhinji zvikuru vabereki pamwe nevanotakura vana vechikoro kuti vatore matanho ekuvachengetedza mukudzokera kwavo kuzvikoro.
Mapurisa vari kukomekedza vabereki pamwe nevatungamiri vezvikoro kuti vadzidzi vasafambiswe usiku sezvo zvichigona kuvapinza munjodzi dzemumigwagwa kana nevanopara mhosva.
Vedzimotokari pamwe nevemabhazi anotakura vana vechikoro vanokurudzirwa kuti vaone kuti midziyo yavo inokodzera kufamba pamwe nekutevedzera zvose zvine chokuita nekufamba mumigwagwa.
Vatyairi vanorairwa kuti varege kumhanyisa zvakadarikidza ,vatevedze mirairo yemafambiro emumigwagwa ,vasakutakura zvinodarikidza mwero kana kutyaira vakadhakwa
Vemotokari dzinotakura veruzhinji vanokurudzirwa kuti varege kusanganisa kutakura vanhu nemidziyo.
Zvichakadaro vatungamiriri vezvikoro vanokurudzirwa kuti vanoone kuti nzvimbo dzavo dzekudzidzira dzakachengetedzeka zvakare varege kuchengeta mari yakawanda sezvo zvichizogona kukwezva mbavha.
Posted on:16 Apr 2026
Posted on:07 Aug 2025
Posted on:11 Feb 2025
Posted on:22 Nov 2024
Posted on:02 Jul 2024
Posted on:06 Feb 2024
Posted on:21 Nov 2023
Posted on:16 Nov 2023
Posted on:05 Jun 2023
Posted on:14 Dec 2022
Posted on:01 Nov 2022