Kuputitswa kwemahora muRoasting Plant kosiya dzimba dzine mitswi


09 Jul 24

Click here to watch video

Vagari vemisha iri pedyo neRoasting plant voshushikana nokuda kwekuputitswa kwemahora uko kwakakonzera kudengenyeka ,uye dzimwe dzimba dzakasara dzave nemitswi. Izvi zvinonzi zvakaitika manheru emusi weSvondo 1 Chikunguru 2024. Pepanhau rino rakataura nevamwe vagari venzvimbo iyi ,avo vakati vave kutyira kuti dzimba dzavo dzinogona kuzokanganisika. ‘‘ichokwadi kuti nemusi wesvondo pane kudengenyeka kwakaitika mushure mokuputitswa kwemahora muRoasting Plant’’ ‘‘Asi takakwanisa kuendesa nyaya iyi kuMapurisa ,uye zvakare takazoronga musangano nevamiriri vekambani iyi,yeMineral Marketing Coperation of Zimbabwe’’ ‘‘Pamusangano uyu zvakabuda achena kuti pane mudhuri uri kuputswa pachishandiswa mahora’ ‘‘ichi ndicho chikonzero chakaita kuti pave nekudengenyeka kwakanzwika nevagari vazhinji vemuWard 10’’ Dzimwe dzimba dzakaputsika mahwindo uyewo dzimwe dzakaita mitswi nokuda kwekudengenyeka uku. Kambani iyi inonzi yakatuma vashandi vayo kuti vaongorore dzimba dzakawirwa nedambudziko rekudengenyeka iri asi hapana mashoko okuti zvichagadziriswa sei kune avo vane midziyo kana dzimba dzakakanganisika. ‘‘ pane vashandi vakauya vachizoongorora dambudziko ratakasangana naro asi hapana chatati taziva chatichabatsirwa nacho.’’ ‘‘Takangozviviswa kuti hurongwa hwekupaza mudhuri huchiri kuenderera mberi ,asi rwendo rwuno zvichange zvasina mutsindo sewakasanganikwa nawo nemusi wekutanga.’’ akadaro mumwe mugari wenzvimbo iyi. Pepanhau rino mukuronda nyaya iyi harina kukwanisa kuwana mashoko ane chekuita nenyaya iyi kubva kuvakuru vekambani iyi. . Nyaya dzekuputitswa kwemahora zvikuru muguta reKwekwe zvoita kuti vazhinji vakanganisirwe zvivakwa zvavo, zvikuru avo vanedzimba dziri pedyo nemigodhi yegoridhe. Vamwe vane dzimba dziri muna Old Bell road muGlobe and Phoenix navo vanoti zvivakwa zvavo zvizhinji zvave nemitswi zvichikonzerwa nekudengenyeka kunoitika nguva dzino putitswa mahora. Matambudziko aya ari kusanganikwa nawo zvikuru ,asi hapasati pozivikanwa kuti zvingapedzwe sei,zvakarewo veruzhinji havasati voziva kuti ndeapi matanho avangatore mushure mokunge zvivakwa zvavo zvakanganiswa nemakambani kana avo vanoita mabasa okuchera vachiputitsa mahora.