30 Jul 26
Munyori :Tonderai Mari
Mapurisa eZimbabwe Republic Police mudunhu reKwekwe vakafora vachitaridzira mashandiro nekutsanangura Client service Charter yavo kusimbisa kushandidzana nenharaunda mukudzivirira nokuderedza kuparwa kwemhosva
Vachitaura pagungano raisanganisira vagari vemuKwekwe ,vatungamiri vemakereke pamwe nemadzishe emudunhu iri Ishe Malisa ,Ishe Samambwa naIshe Ruya , mukuru wemapurisa mudunhu reKwekwe va Ison Chapeta vakati ivo kushandidzana kwemapurisa neveruzhinji kwakosha mukuderedzwa kwemhosva .
Dunhu iri rakanga rine mukurumbira wekuurayana kwevanhu ,asi zviitiko izvi zvaderera zvikuru.
‘’pandakasvika muno mudunhu reKwekwe vanhu vayiurayana sevanouraya huku, asi pandakagara pasi nemadzishe aya ,ndoda kuti ndikuudzei kuti Silobela ndiyo yave nhamba one .Ndoyakanga iri nhamba one pakuuraya ,asi iye zvino yave nhamba one pakusauraya’’
‘’Ndikakuudzayi iye zvino kuti pamaCases avo ema murder hapana kana one isina musungwa ,zvinoenderana zvakare nekuZhombe ndo the same ‘’
‘’Izvi zvangoitika chete nokuda kwerubatsiro rwenyu nokubatana kwedu imi nesu tichishanda pamwe’’ vakadaro vaChapeta.
Vakatizve mapurisa eZimbabwe Republic Police vakazvipira kushanda zvine rukudzo nehunyanzvi.
‘’donzvo guru redu ndere kuzoratidzira kuzvipira kwedu semapurisa pakubatsira avo vanouya kuzotsvaga rubatsiro kumapurisa.’’
Vakayambira kuti mapurisa akagadzirira kutora matanho nekukasira kune avo vanoda kuratidzira mumigwagwa zvisiri pamutemo.
Posted on:09 Jul 2026
Posted on:16 Apr 2026
Posted on:07 Aug 2025
Posted on:11 Feb 2025
Posted on:22 Nov 2024
Posted on:02 Jul 2024
Posted on:06 Feb 2024
Posted on:21 Nov 2023
Posted on:16 Nov 2023
Posted on:05 Jun 2023
Posted on:14 Dec 2022
Posted on:01 Nov 2022