18 Sep 26
Munyori : Tonderai Mari
Hurumende inoti hayisi kudududza muchirongwa chekuchenesa maguta nyika yose nekurudziro yokuti vanotengesa vashandise nzvimbo dzakagadzirirwa mabasa aya.
Gurukota reLocal Government and Public Works va Daniel Garwe vakaraira makanzuru ose munyika kuti vaone kuti mitemo yose inoona nezvekufambiswa kwemabasa munzvimbo dzavo iri kutevedzwa ,inosanganisira inoona nezvevanotengesa kupiwa kwemarezinesi emabhizimusi ,kuchengetedzwa kwezvivakwa nenzvimbo dzinosanganirana veruzhinji.
Chirongwa chekuchenesa nzvimbo chiri kuenderera mberi nyika yose ,uye vanotengesa vanofanira kuve vaine magwaro anovapa mvumo yokuita mabasa avo munzvimbo dzakatariwa kuitira mabasa avo.
Nguva yekutengesa mumaguta yakatarwa kutanga na 0600 – 1800 hrs uye kunzvimbo dzinogara veruzhinji 0600 – 2000 hrs.
Muguta reHarare chirongwa ichi chiri kuenderera mberi kanzuru ichikapaza nzvimbo dzokutengesera dzaishandiswa zvisiri pamutemo.
Zvichakadaro vazhinji voti kutengesa ndiyo nzira iri kuraramisa vazhinji ,nechikonzero chokuti makambani mazhinji akavhara uye mabasa mashoma munyika.
Posted on:09 Jul 2026
Posted on:16 Apr 2026
Posted on:07 Aug 2025
Posted on:11 Feb 2025
Posted on:22 Nov 2024
Posted on:02 Jul 2024
Posted on:06 Feb 2024
Posted on:21 Nov 2023
Posted on:16 Nov 2023
Posted on:05 Jun 2023
Posted on:14 Dec 2022
Posted on:01 Nov 2022