23 Jun 25
Munyori :Tonderai Mari
Veruzhinji vokurudzirwa kushandura maonero nemararamiro avo panyaya dzine chokuita nehutano hwavo nekuda kwekuwanda kwendufu dzinokonzerwa nezvirwere zvinokwanisa kudzivirirwa.
Zvirwere zvisingatapuriranwi zvine chikamu makumi matatu nezvitatu kubva muzana dzendufu munyika.
Zvirwere izvi, izvo zvinozivikanwa muchirungu kuti ma Non Communicable Diseases (NCDs) hazvigoni kutapuriranwa kubva kune umwe zvichienda kune umwe munhu.
Kana munhu achinge abatira chirwere ichi anogona kugara kwenguva yakareba anacho , uyewo zvirwere izvi zvinokura zvishoma zvishoma.
Zvichitevera musangano wakaitwa neveNational Aids Council mudunhu reMidlands uyo wakaitirwa muguta reRedcliff musi wa11 Chikumi 2025, zvakave pachena kuti veruzhinji vanofanira kuwana nzwisiso uye kukoshesa nyaya nezivo yezveutano hwavo.
VaBrian Musayerenge avo vanoshanda nebazi rezveutano reMinistry of Health and Child Care vakakurudzira kuti veruzhinji vawane nguva yekunovhenekwa kuitira kuti vazive zvimiro zvavo uye vawane kudzivirirwa kuzvirwere.
Vakasimbisa kuti zvirwere zvakafanana negomarara rechibereko zvinogona kudziviririka kana zvichinge zvaonekwa pachine nguva.
Kushaya zivo nekusazvipa nguva yekunovhenekwa ndiko kuri kukonzera kuti vazhinji vabatwe kana kuurawa nezvirwere izvi.
Muhurukuro yakaitwa nemunyori weJekeso munharaunda yeKwekwe zvakabuda pachena kuti tsika yekunovhenekwa hayisati yanyatsogara kuvanhu vazhinji.
Nyaya yetsika nezvitendero ndeimwe iri kuita kuti vazhinji vasakoshese uye kunonoka kuvhenekwa zvirwere.
Vamwe vakati vanotya kuziva zvimiro zvavo nokudaro vanosarudza kugara havo vari murima.
‘’ ukakwira mugomo uchitsvaga makudo unosangana nawo.’’ Akadaro mumwe mugari asina kuda kudomwa nezita rake
‘’ ndinoenda sei kunovhenekwa chibereko ini ndichigara nevabereki uye ndisati ndawanikwa ,vabereki vangu vakazvinzwa vanozoti kudii neni’’ akadaro Tariro Sibanda (harisi zita rechokwadi)
‘’ ichokwadi kuti vazhinji vedu vasikana vave kuenda pabonde vasati vawanikwa ,asi zvakare zvinonyadzisa kuti vayende kunovhenekwa zvirwere zvinotapukira kuburikidza nekusangana pabonde’’ akadaro Sibanda.
Kuvhenekwa nekuongororwa nguva iripo kwakanaka chose nokuti kunoita kuti dambudziko rigare raonekwa uye nekubatsirwa nekukasika.
Zvakanakawo nekuti hapazodiwi mari yakawandisa kudzivirira nekurapa chirwere ,pane kuzoyeuka bako mvura yonaya.
Ndufu dzinokonzerwa nezvirwere zvisingatapuriranwi dzinogona kuderedzwa kuburikidza nekushandura miono nekunovhenekwa pachine nguva iripo