Kuvhurwa kwezvikoro vana vazhinji vodzoserwa kudzimba


10 Sep 24

Click here to watch video

Zvikoro zvavhurwa nhasi , asi vana vazhinji vadzorerwa kudzimba.

Muguta reKwekwe zvikoro zvizhinji zvadzorera vana kudzimba nenyaya yakusabhadharirwa mari yechikoro.

Pane zvimwe zvikoro zvashanyirwa nepepanhau rino ,panga paine mitsara mirefu ye vabereki vanga vachibhadharira vana vavo pamwe nekuvakumbirira kuti vatenderwe kupinda pazvikoro.

Mumwe sachigaro weSDC asina kuda kuzivikanwa nezita ati iye zvakawiriranwa pamusangano wakaitirwa kuTasungana Primary school nguva yadarika kuti vana vasina kubhadhara vasatombotenderwa kupinda pachikoro.

‘’mwana anenge abhadhara ndiye anenge achizivikanwa nechikoro,uyo anenge asina haazivikanwi nekuti pave ne contract paTerm ‘’

‘’mudzidzi abhadharirwa ndiye wedu ,uyo asina haasi wedu’’ akadaro sachigaro ava.

Zvikoro zviri kukurudzira vabereki kuti vaite ma payment plan kuitira kuti vana vavo vatenderwe pazvikoro.

Nenyaya yekuomerwa zvakare kushaikwa kwemari vana vazhinji vanotyirwa kuti vachakundikana kuenda kuzvikoro.