24 Sep 26
Kanzuru yeGuta reKwekwe yaburitsa chiziviso chepamutemo chinoraira vatengesi vese kuti vabve munzvimbo yepakati peguta (CBD) panosvika musi wa30 Gunyana 2026.
Chinangwa chemutemo uyu ndechekudzorera kurongeka nekuchenesa nzvimbo huru yebhizimisi yeguta.
Mushure mezuva rakatarwa rekubva munzvimbo idzi, kanzuru ichatevedzera zvakasimba mitemo yenguva dzekushanda kuvatengesi vese vari munzvimbo dzakatarwa.
Vatengesi vese vanofanira kubva munzvimbo dzisina kutenderwa kutengeserwa mukati meCBD panopera zuva ra30 Gunyana 2026.
Nguva Itsva dzekushanda dzevatengesi vane mvumo yekushanda munzvimbo dzakatarwa mukati meCBD vanotenderwa kushanda kubva na6:00 mangwanani kusvika na6:00 manheru chete.
Vatengesi vanoshanda munzvimbo dzekugara vanotenderwa kushanda kwenguva yakareba, kubva na6:00 mangwanani kusvika na8:00 manheru.
Chiziviso ichi chauya panguva iyo gurukota rinootungamira bazi reLocal Government and Public Works vaDaniel Garwe vakurudzira kuti makanzuru ose anofanira kusimbisa mitemo yezvekushanda kwavo nekuve nenzvimbo dzekushandira dzakashambidzika
Posted on:09 Jul 2026
Posted on:16 Apr 2026
Posted on:07 Aug 2025
Posted on:11 Feb 2025
Posted on:22 Nov 2024
Posted on:02 Jul 2024
Posted on:06 Feb 2024
Posted on:21 Nov 2023
Posted on:16 Nov 2023
Posted on:05 Jun 2023
Posted on:14 Dec 2022
Posted on:01 Nov 2022