Makwikwi eKwekwe Mayor s Challenge Cup kukurudzira hupenyu husina zvinodhaka


18 Sep 25

Click here to watch video

Munyori Tongai Mashonga

Chikamu chechipiri cheKwekwe Mayor Challenge Cup chakarongwa kuitwa musi wa 26 Gunyana ku Mbizo Stadium pamwe nemamwe maVenue ari pedyo, Chiedza Primary School ne Manunure High School.

Makwikwi egore rino anotarisirwa kuve makuru uye ane mutsindo sezvo zvikwata zvakawanda zvemitambo yakasiyana- siyana, kusanganisira kubva kunze kweKwekwe, zvanyoresa uye mamwe achiri kubvunza nezvemakwikwi aya.

Mayor Albert Zinhanga vakataura kuti gore rino makwikwi ari kutora chimiro chitsva, achisanganisira vechidiki vasiri kuchikoro kuburikidza nezvikwata zvevanhuwo zvavo (social teams) kuti kurwisana nematambudziko ekushandiswa kwezvinodhaka ari kuwandisa munharaunda.

"Gore rino takasanganisira vechidiki vari kunze kwechikoro nekuti dambudziko rezvinodhaka harina kusarudza zera. Tinoda kuti vabatwewo mukurongwa kwezviitiko zvine hutano uye zvinovaka," vakadaro Mayor Zinhanga.

"Makwikwi egore rino ari kuitwa pasi pedingindira rakanangana nekukurudzira hupenyu hupenyu husina zvinodhaka, vachitarisa pakudzivirira kushandiswa kwezvinodhaka nejecha pakati pevechidiki.

"Zvinodhaka zviri kuparadza ramangwana revana vedu. Tinoda kushandisa mitambo sedzidzo kuvaka hunhu, uye kupa tariro kune vechidiki, ichi hachisi chiitiko chete. Iri izano rekuchinja hupenyu," vakawedzera vachipedzisa Mayor Zinhanga.

Komiti inoronga makwikwi iri kushanda nesimba kuita kuti chiitiko ichi chiitwe zvakarongeka uye zvinobudirira.

Pamusoro pebhora, kuchavewo nemimwe mitambo yakaita se netball, volleyball, basketball, handball pamwe nezvimwe zvinonakidza zvinokwezva vechidiki.

Mayor Challenge Cup yave chiratidzo chekubatanidza nharaunda, uye nzira yekupinza vechidiki muzviitiko zvine chinangwa.