31 Dec 25
Mapurisa eZimbabwe Republic Police (ZRP) mudunhu reKwekwe vari kushuvira veruzhinji kupinda mugore idzva murunyararo.
Vakurudzira vagari vemudunhu iri kuti vangwarire panguva iyi uyewo kuti vachengetedze runyararo.
Vayambira kuti vanhu vasiyane netsika yokuita mhirizhonga kana kuita ruzha nekuputswa kwemabhini kana kuputitswa kwema fire crackers.
Vezvitoro vakurudzirwa kuti vachengetedze nguva dzavanovhara zvitoro zvavo uyewo kuti veruzhinji vachengetedze midziyo yavo.
Enter comment