Mayor Zinhanga votora danho kuzivisa nezvechirwere chemapapu


18 Sep 26

Click here to watch video

Munyori : Tonderai Mari

Mayor weguta reKwekwe, VaAlbert Zinhanga nhasi 18 Gunyana 2026 vatungamira mukuparurwa kwechirongwa chakakosha chekudzidzisa veruzhinji nezvechirwere chemapapu chinonzi silicosis, icho chinokonzerwa nekufema guruva rine utachiona hwecrystalline silica.

Tichitarisa nhoroondo yeguta reKwekwe iyo ine migodhi pamwe chete neindasitiri yakakura, Mayor Zinhanga vasimbisa kukosha kwekuti veruzhinji vagare vakangwarira chirwere ichi.

Vachitaura vari pamahofisi avo mushure mekufora mumigwagwa yeguta , vati ivo chirongwa ichi chiri kuenderera mberi kumisha inogara veruzhinji yeMbizo neAmaveni.

‘’Tinoda kuti vanhu vazive kuti Silicosis iripo , tinoda kuti mashoko aya azivikanwe kwete nevaridzi vemigodhi chete ,asi kuti nevanochera vacho kuti tine denda rapinda mumusha’’

Kwekwe inozivikanwa kuti munoitwa mabasa ekuchera ,zvakare inozivikanwa seguta riri kubudirira muzvirongwa zvekuvaka ,zvese izvi zviri kubatsiridza pakusimukira kwechirwere ichi nekuti guruva rinenge rapinda mumapapu kwenguva yakareba ndiro zvinozotizvitsa padambudziko ratakatarisana naro’’ vakadaro vaZinhanga.

Guruva rakatetepa zvikuru iro risingaoneki nemaziso rinogona kukonzera kukuvara kwemapapu kusingarapike nekufamba kwenguva.

Vakurudzira vashandi kuti vagare vachishandisa midziyo yakakodzera yekuzvidzivirira, yakadai semask dzinodzivirira guruva, uye kushandisa nzira dzinoshandisa mvura pakuchera migodhi kana kuvaka kuitira kudzivirira guruva kupararira mumhepo .

Vagari vakurudzirwa kuti vagare vakatarisisa utano hwavo, chero ani zvake ane dambudziko rekukosora kusingapere, kunetseka kufema, kana kunzwa kuneta pasina chikonzero chakajeka, kuti aende nekukasika kukiriniki kana kuchipatara chiri pedyo kuti anoongororwa nenyanzvi dzehutano