22 Nov 24
Vanhukadzi vachakasarira zvikuru munyaya dzekubudzitswa kwemiono kana mifungo yavo mune zvekufambiswa kwemashoko nenhau.
Izvi zvakabuda muhurukuro yakaitwa pamusangano waitsigirwa neUNDP muchirongwa che Building Resources in Democracy, Governance and Elections (BRIDGE) icho chaitungamirwa neveZimbabwe Media Commission chakaitirwa muguta reMutare munguva pfupi yadarika.
Mazwi evanhukadzi haanyanyi kupiwa nzvimbo nevanotora nhau zvichienzaniswa nevanhurume avo vane chikamu chiri pamusoro zvikuru.
Kubva muongororo yakaitwa munezvenhau nesarudzo zvakaonekwa kuti mazwi evanhukadzi muZimbabwe mugore ra2020 ayive chikamu makumi maviri nezvitatu kubva muzana zvichienzaniswa nevanhurume avo vane chikamu makumi manomwe nezviviri.
Izvi zvinokonzera kuti zvido zvavo zvisave zvinomiririrwa zvizere munguva dzesarudzo.
Zvizhinji zvinogona kugadziriswa kana kuvandudzwa kusandura upenyu hwavo ,asi izvi hazvizo zadzikiswi nokuda kwekuti havapiwi mikana yakaenzana yokutaura.
Nokuda kwetsika dzechinyakare kana kuti zvechitendero vanhukadzi vanoramba vachitarisirwa pasi,nokusapiwa mikana yakaenzana nevanhurume.
Zvichakadaro kunyange hazvo chikamu chemadzimai vanoburitswa munhau chichakaderera ,zviri kuonekwawo kuti nekuda kwekuvandudzika kuri kuita nzira dzokutumira mashoko padandemutande ,vamwe vanhukadzi vave kushandisa mukana uyu kuti vanyore nokubudisa pfungwa dzavo vakasununguka.