Mishonga yekubaya nhomba yakati tii


10 Nov 21

Click here to watch video

Hurumende inoti ine mishonga yekubaya nhomba yokudzivirira Covid-19 yakakwanira ,nokudaro veruzhinji vanokurudzirwa kuti vaende kuzvipatara kana makirinika ari pedyo navo kuti vanobaiwa.

Vane makore gumi nematanhutu nevane gumi nemasere navo vave kukurudzirwa kubayiwa nhomba sezvo mushonga weSinovac unonzi wakavanakira ,izvi zvakaziviswa negurukota rinoona nezvekufambiswa kwemashoko nekutepenyura muzvare Monica Mutswangwa mushure momusangano wedare remakurukota nezuro.

Pari zvino vanhu mamirioni maviri nezviuru mazana matanhatu nekupfuuridza vakabayi majekiseni maviri enhomba.

Sanduko huru iri kutaridzika kubudikidza nokudzikira kwehuwandu hwevari kufa kana kubatira chirwere ichi ,tichienzanisa nenguva yapfuura .

Vanhu vakafa kubvira patanga chirwere ichi vanosvika zviuru zvina nemazana matanhatu nemakumi mapfumbamwe neumwe ( 4 691).