09 Jul 26
Munyori : Tonderai Marindire
Sangano re Zimbabwe National Statistics Agency (ZIMSTAT) vakabatana pamwe neve National Competitiveness Commission (NCC) vakaparura chirongwa chekuunganidza umbowo hwemashandiro emakanzuru emumaguta pamwe nekumaruwa Rural and Urban Council Competitiveness index (RUCCI)
Tsvagururo iyi yakatanga musi wa 4 Chikunguru 2026 uye iri kutarisirwa kupera musi 25 Chikunguru 2026.
Muhurongwa uhu ongororo iyi iri kuitwa kumakanzuru makumi mapfumbamwe nemaviri ari mumatunhu gumi emunyika.
Kuunganidzwa kwehumbowo uku kwakakosha sezvo kuchapa huchapupu hwemashandiro ari kuita makanzuru ,zvakare paine chinangwa chokuvandudza mamiriro ekunze anotsigira mabhizimusi ,kuvambiswa kwazvirongwa zvitsva uye nemagariro akanaka everuzhinji.
Chirongwa che RUCCI chakanaka chose sezvo chichivandudza mashandiro emakunzuru munyika uye chinotevedzwa nedzimwe nyika kukwezva budiriro mune zveupfumi.
Nokudaro veruzhinji vanokurudzirwa kuti vabatsire avo vachange vachifamba mumatunhu akatsaukana vakamirira chirongwa ichi.Zvinobuda muongororo iyi zvinenge zvakachengetedzwa nemutemo weCensus and Statistics Act (chapter 10 :29),zvinenge zvataurwa nemunhu hazvisi kuzoburitswa pachena.
Mashoko aya akashambadzwa Tafadzwa Bandama anova Director General weZimbabwe National Statistics Agency pamwe naBrighton Mushayanewako Acting Executive Director we National competitiveness Commision
Posted on:09 Jul 2026
Posted on:16 Apr 2026
Posted on:07 Aug 2025
Posted on:11 Feb 2025
Posted on:22 Nov 2024
Posted on:02 Jul 2024
Posted on:06 Feb 2024
Posted on:21 Nov 2023
Posted on:16 Nov 2023
Posted on:05 Jun 2023
Posted on:14 Dec 2022
Posted on:01 Nov 2022