PSL inoripisa Hardrock FC neDynamos FC mushure memhirizhonga.


01 Jul 26

Click here to watch video

Sangano rinotungamirira mitambo yenhabvu munyika rePremier Soccer League nhasi 1 Chikunguru 2026 razivisa nezvemutongo wakaturwa neboka iri zvichitevera mhirizhonga yakayitika pamutambo waive pakati pechikwata cheHardrock FC neCheDynamos FC munhandare yeChahwanda muguta rekwekwe musi wa 24 Chivabvu 2026.

Zvikwata zvose zvakawanikwa zvine mhosva yakaita kuti mutambo uyu usaenderere mberi ,kupinda munhandare zvine chisimba ,mhirizhonga nekuita zviitiko zvinokanganiswa kufambiswa zvakanaka kwemutambo.

Chikwata cheDynamos FC chakawanikwa chine mhosva yekupwanya ruzhowa runoganhura nhandare inotambirwa mutambo nepanogara vanhu muChahwanda stadium,zvakare Hardrock FC yakakundikana kuchengetedza runyararo sechikwata chaive chiri pamusha.

Zvakadaro ,chikwata che Hardrock chakanzi chinobhadhara faindi ye10 000 Usd ,asi 2000 Usd yakaiswa parutivi kwemwaka wese hunge chikwata ichi chikasazopara mhosva imwe chete.

Dynamos FC ichabhadhara faindi ye 10 000 usd uye chikwata ichi chinofanira kunyora hurongwa hacho hwekudzivirira mhirizhonga kumukuru wePSL mumazuva makumi matatu.

Komiti inopa mirango iyi yakawana Kudzanai Hove ayive CEO wechikwata cheHardrock FC mhosva yekuita kusina kunaka ,kupinda munhandare uye nekuyita mhirizhonga.Akamiswa kuita zvirongwa zvose zvinechokuita nenhabvu munguva yasara yemitambo gore rino uye akanzi anofanira kubhadhara 5 000Usd.