PSL yakapa murango kuchikwata cheNgezi Platinum FC


18 Nov 25

Click here to watch video

Sangano renhabvu reCastle Lager Premier League nemusi wechishanu 14 Mbudzi 2025 rakazivisa nezve murango wayo kuchikwata cheNgezi Platinum FC ,murairidzi wacho Takesure Chiragwi pamwe chete nemutambi Kudzai Chigwada nekuda kwekuita hunhu husingatarisirwi pamutambo wavakasangana nechikwata cheDynamos FC munhadare yeRufaro musi wa4 Gumiguru 2025.

Chikwata che Ngezi Platinum FC chakawanikwa chiine mhoswa yokukanganisa mafambiro emutambo nekuda kwemaitiro evatambi uye hutungamiri hwechikwata ichi zvakaita kuti varipiswe mari yefaindi madhora zviuru zvishanu zvemari yekuAmerica.

Murairidzi mukuru wechikwata ichi Takesure Chitagwi uyo akabvuma mhosva dzokuita mhirizhonga ,kuita hunhu hwakaipa nekukonzera nyonganyonga zvinokanganisa chimiro chemakwikwi aya ,akafaindiswa madhora zviuru zvina , asi madhora chiuru akasendekwa parutivi ndokunge ayenda kunobatsirwa nanamazvikokota vanoita kuti agadzikane pakuita kwake kwekukasira kugumbuka.

Mukupa mutongo uyu komiti inoona nezvekuranga vanenge vatsaudzira ,yakacherechedzawo kuzvininipisa uye kuzvipira kumbomira basa kwakaitwa naChitagwi senzira yekukungura muitiro wake.Chitagwi aive akakumbira ruregerero kune veruzhinji.

Mutambi Kudzai Chigwada uyo akawanikwawo ayine mhosva yokutaura mashoko asina kunaka kune umwe mubati wemutambo akanzi abhadhare faindi yemadhora zana yemari yekuAmarika.

Pamutambo uyu zvikwata zviviri izvi zvakaita mangange 1-1.