Prince Park Mall yave nzvimbo yekuchengetera mabhero embatya


10 Jun 24

Click here to watch video

Musika wePrince Park uyo uri muguta reKwekwe wakange wavandudzwa nechinangwa chokuti vanoita mabasa ekutengesa vawane nzvimbo yakanaka yokushandira rangove zumbu rakapinda nyoka.

Kushaikwa kwemagetsi,mvura nezvimbuzi ndezvimwe zvikonzero zvoita kuti vazhinji vasafarira nzvimbo iyi.

Nzvimbo iyi iyo yakavandudzwa pachishandiswa mari dze Devolution ine makamuri makumi matanhatu nemana ,asi pari zvino makamuri mapfumbamwe ndiwo ane vanhu vari kutengesera mairi.

Vamwe vanoshandira panzvimbo iyi vanoti ivo hapana kunge pakanyatso kwenenzverwa kuti vanhu vatengesere pairi vakafaranuka kana kukwezva vanotenga.

‘’ mavakirwo akaitwa pano uye kusapedzeredzwa kwechivakwa chino ndizvo zvoita kuti vamwe vasafarira kushandira pano’’

‘’Pari zvino tinoshandisa zvimbuzi zvirimuPark ,asi nguva zhinji tinobhadhariswa $0.50c panguva imwe ichete’’

‘‘Pakavakirwa nzvimbo ino hapasi pekuti veruzhinji vanofambirapo, uye vamwe havatozive kuti pano panotengeswa. Ndicho kukonzero vamwe vakabva panzvimbo ino vachinotengesera kumwe kunova kune vanhu vakawanda vanofambirako.’’

‘’Magetsi pano hapana saka zvinoomera vanenge vachida kumashandisa kuti vave pano’’

Kunyange hazvo paive nerunyerekupe kuti panzvimbo iyi pakamboonekwa zinyoka asi hapana vakakwanisa kutsigira mashoko aya.

Zinyoka iri rinofungidzirwa kuti raive revamwe vayisitengesera panzvimbo iyi kare asi vasina kuzowaniswa mukana wekuwana nzvimbo yekuti vatengeserepo. Nyoka iyi ndiyo inofungidzirwa kuti inoita kuti vanotengeserapo vasave nechavanowana.

Vamwe vagari muguta iri vokurudzira kuti dayi nzvimbo iyi yangovandudzwa zvekare kuti ive inoitirwa mitambo , misangano kana zviitiko zvakatsaukana.

‘‘Kanzuru ngayitarisise zvivakwa zvayo pamwe nekuzvivandudza kuti zviva wanise mari iyo inozoshandiswawo mumabasa akatsaukana ekusimudzira guta iri.’’

Hatina kukwanisa kuwana mashoko kubva kuVakuru vekanzuru yeKwekwe.