Scottland FC yokunda mumakwikwi eCastle Lager Premier League


04 Nov 25

Click here to watch video

Apo makwikwi eCastle lager Premier league emwaka wa2025 onanga kwamvura yacheka makumbo chikwata cheScotland FC ndicho chatotora mukombe kwangosara mitambo miviri chete kuti makwikwi aya apere.

Scottland FC yakapinda mumakwikwi aya gore rino ,asi chakakwanisa kutamba mitambo yacho zvakanaka kukurira zvimwe zvikwata zvave nemakore zviri mumakwikwi aya.

Pamitambo makumi matatu nemiviri Scottland FC ine mapoinzi 65 apo yakakwanisa kukunda gumi nemipfumbamwe ,chikwata ichi chakaita mangange mitambo misere uye chakakurirwa pamitambo mishanu.

Chikwata cheMWOS FC ndicho chiri kufemera mugotsi chiine mapoinzi 58 uye Simba Bhora FC iri pachinzvimbo chetatu ine mapoinzi 57.

Vatsigiri nevaongorori venhabvu vanoti kubudirira kwechikwata ichi kunosanganisira zvikonzero zvakati kuti zvinoti kuwanikwa kwemari yokufambisa mabasa echikwata ichi , uye nekukwanisa kutenga vatambi vane mukurumbira avo vanosanganisira Khama Billiart zvakaita kuti chive chikwata chakasimba zvakare chakatsiga.

Murairidzi wechikwata ichi Tonderai Ndiraya naye akacherechedzwa somurairidzi akakunda vamwe mumwedzi waGumiguru mumakwikwi aya.