15 Dec 25
Sangano rinomirira vanorarama neHIV mudunhu reMidlands reZimbabwe National Network of People with HIV rakati zvingavaitira nyore zvikuru kana vakawaniswa chekufambisa kuti vazadzikise muzvirongwa zvavo nekugamuchira zvichemo kubva kunhengo dzavo dzakapararira mumatunhu.
Mashoko aya akaturwa pachiitiko chekubatidza mwenje chakaitirwa pachikoro cheGwenungu Puraimari kuGokwe South musi wa10 Zvita 2025 senzira yekurangarira vakashaya nedenda reHIV/AIDS makore adarika.
Sachigaro wesangano iri mudunhu reMidlands vaFidelis Danger vakati ivo zuva iri rakakosha zvikuru nokuti inguva yokurangarira nekuremekedza vakashaya nekuda kweHIV/AIDS makore adarika ,zvinorevawo kumira pamwe chete nevari kurarama neHIV nhasi uye nekucherechedza kodzero dzavo nekuzvipira kudzivirira chirwere ichi.
Vakati ivo kana vakawaniswawo chokufambisa zvinogona kureruka nokuita kuti mabasa avo afambe zviri nyore.
‘’Sevana veMidlands tine zvichemo zvatinoda kuti mutinzwe dzimwe nguva basa redu ringareruka sezvo sangano redu reZNNP+ tine vanhu vakawanda vari mumusha vane zvichemo zvinoda kuti tisvike kwavari vose ‘’.
‘’kuti vanhu vagone kunwa mishonga zvakanaka ,kuti vanhu vedu vagone kuita adherence ,kuti vanhu vedu vakurudzire vamwe kuti vabude pachena tinokumbirawo chifambiso kuti tigone kutenderera Province yedu yose basa redu rigofambawo zvakanaka.’’ Vakadaro vaDanger.
Mucherechedzo wekubatidzwa kwemwenje wakatanga mugore ra1983.