09 Dec 25
Mutungamiri wenyika vaEmmerson Dambudzo Mnangagwa vakadoma vaPolite Kambamura kuti vave gurukota idzva rebazi rezve zvicherwa nekuvandudzwa kwazvo (Mines and Mining Development) kutanga musiwa 08 Zvita 2025. Mashoko aya akaziviswa nemunyori mukuru muhofisi yemutungamiri wenyika neKabineti vaMartin Rushwaya. Izvi zvinotevera kumiswa basa kwevaimbova gurukota rebazi iri vaWinston Chitando nechikonzero chisina kutsanangudzwa. VaKambamura ndivo vainge vachishanda vari mutevedzeri vegurukota mubazi iri kubva mugore ra2018 uye vari mhengo inomirira Sanyati mudare reparamende.