VaMnangagwa vakayambira vanoparadza midziyo yebudiriro


23 May 26

Click here to watch video

Mutungamiri wenyika vaEmmerson Dambudzo Mnangagwa vakakurudzira vechidiki kuti vashande zvine simba kuitira kuti vasimudzire nyika yavo.

VaMnangagwa vakataura mashoko aya musi wa22Chuvabvu apo payi kumikidzwa gwenya remagetsi anoshandisa zuva yekambani yeNew Glovers Solar Power plant kuMunyati muguta reKwekwe.

Vakakurudzira kuti ramangwana renyika riri mumaoko evechidiki nokudaro vanofanira kushandira nyika yavo kuitira kuti muve nebudiriro.

‘’ramangwana renyika yedu riri mumaoko edu’’

Vakatsoropodza tsika yekuparadza midziyo yakakosha ,vakayambira kuti hurumende yavo hayisi kuzopeta maoko.Vakakurudzira kuchengetedzwa kwemaSolar panel sezvo iri nhaka yebudiriro yeramangwana.

Gwenya remagetsi ezuva iro ririmuchikamu chekutanga ririkuburitsa 10 Megawatts ,asi riri kutarisirwa kutambanudzwa kuti rigokwanisa kuburitsa magetsi anosvika pa110 Megawatts.

Chirongwa ichi chiri kutarisirwa kuunzwa mabasa munharaunda iyi zvakare nekuvandudza mabasa ebudiriro yezvigadzirwa zvinoshandisa magetsi.

Kuburikidza nechirongwa ichi ishe Samambwa pamwe nechikoro chemunharaunda chinonzi Nhaka yedu vachawaniswa magetsi pachena.