VaNcube vakumikidza midziyo yakakosha yeguta reGweru


Vari pakati Gurukota rinomirira mutungamiri wenyika nekugoverwa kweupfumi mudunhu reMidlands vaOwen Ncube 06 Jul 26

Click here to watch video

Gurukota rinomirira mutungamiri wenyika pamwe nekugoverwa kweupfumi mudunhu re Midlands vaOwen Ncube vakakumikidza midziyo yekushandisa inokosha mirioni nechidumbu zvemadhora ekuAmerika zvekanzuru yeGweru musi wemuvhuro 06 Chikunguru 2026.

Midziyo yakakumikidzwa inosanganisira ,Excavator ,2 x Graders ,Water Bowser ,Road marking machine ,Double drum vibratory roller ,Vibratory Plate compactor ,2 x Rotary mower slashers ,Skip Bin ,2 x Fire Engines , 4 x Gwenhoro low lift Electric motors ,2 x 75 HP Tractors nemotikari yekushandisa pabasa.

VaNcube vakati zvose izvi uchapupu kuti hurumende yava Mnangagwa hayisi kudzokera kumashure mukusimbisa zvirongwa zvebudiriro uye kushandira veruzhinji.

‘’ ndinoda kupembedza kanzuru yeGweru nekutenga midziyo yekushandisa yakakosha inosanganisira mishina inoita kuti migwagwa igadzirwe uye nekufushira makomba anovhiringidza vatyairi mumigwagwa.’’

‘’Nyika inovakwa nevene vayo’’

‘’Ndinodawo kukurudzira vagari pamwe chete nemakambani kuti vabhadhare mari dzekanzuru ,uyewo kuti kanzuru iyite mabasa ayo zvakajeka zviri pachena zvinoenderana nematanho emabasa avo’’

‘’Ndino kurudzirawo kuti Kanzuru ipedzise zvirongwa zvayo zvose zvinosanganira kugadzira mugwagwa weChidanana newe Sixth street ,Kuvandudzwa kwechivakwa chemahofisi eGweru Town house nekuiswa kwepombi panzvimbo inocheneswa mvura kunaGwenhoro’’ vakadaro vaNcube.

VaNcube vakakurudzira kuti kanzuru ichimbidze kugadzirisa migwagwa yemugata rose ,kusanganisira kuyitara nezvimisikidzo zvemumigwagwa zvinoonekera ,kutakurwa kwemarara ,kuyisa mwenje pamisika inoshandira vanhu nemumigwagwa yeguta nemuzvimbuzi uye nekuvandudzwa kwemusika wekuMtapa.