21 Jun 26
VaVictor Matemadanda avo vaive mumiriri weZimbabwe kunyika yeMozambique neEswatini vakashaya.
Mumashoko akaziviswa nemunyori mukuru mubazi rekufambiswa kwemashoko vaNick Mangwana pamasaisai e X,vakati ivo vaMatemadanda vakashaya usiku hwemusi wa20 Chikumi 2026.
Hapana zvizhinji zvati zvaziviswa maererano nechikonzero cherufu rwavo panguva yekunyorwa kwenyaya iyi
VaMatemadanda vaive murwi wehondo yerusununguko ,zvakare vakamboita mutevedzeri wegurukota rinomirira varwi vehondo yerusununguko re Zimbabwe National Liberation War Veterans Association - ZNLWVA.
Mugore ra2018 vakasarudzwa kuita mumiriri weGokwe Central mudare reparamende.
Vaizivikanwa mune zvematongerwo enyika semunhu ayiburitsa zviri mupfungwa pasina kutya.
Mugore ra2021 vakadomwa nemutungamiri wenyika vaEmmerson Dambudzo Mnangagwa kuti vave mumiriri weZimbabwe kunyika yeMozambique.
Posted on:16 Apr 2026
Posted on:07 Aug 2025
Posted on:11 Feb 2025
Posted on:22 Nov 2024
Posted on:02 Jul 2024
Posted on:06 Feb 2024
Posted on:21 Nov 2023
Posted on:16 Nov 2023
Posted on:05 Jun 2023
Posted on:14 Dec 2022
Posted on:01 Nov 2022