Vagari vekuMbizo vorarama nekufema mhepo yakasviba


25 Aug 24

Click here to watch video

Vagari vekuMbizo muKwekwe vorarama nekufema mhepo yakasviba izvo zviri kuvhiringa utano hwevakawanda.

Utsi huzhinji hunofungidzirwa kuti hurikubva mukambani huru yeZIMASCO iri pedyo nemusha uyu.

Nzvimbo dzakanyanya kutarisana nedambudziko iri Imbizo section 1,2,3,5,6,7 ne 8.

Panguva dzekuvira kwezuva utsi hunenge hwakati mone-mone zvekutokundikana kuona zviri mberi.

Vanogara munzvimbo idzi vanoti vakwegura ,uye vamwe vane matambudziko ezvipfuva vanonetsekana nekufema zvikuru panguva yokurara.

‘‘isu tiri pedyo nekambani iyi, tiri panguva yakaoma chose.Nguva zhinji utsi hunenge hwakati mbunde mudzimba dzedu’’

‘‘vane zvirwere zvekuzarirwa vanotambura zvikuru’’

‘‘pane dzimwe nguva tinotosvorwa netusimbi tunenge turi mumhepo’’ akadaro mumwe mugari wekuma ME Mbizo 2.

VeEnvironmental Management Agency mudunhu reKwekwe vakati pane ongororo yakaitwa uye vakamirira kuona zvichabuditswa muongororo iyi.

‘‘ pane survey yakaitwa yekuongorora zviri mumhepo ,nokudaro pari zvino takamirira ma results acho kuitira kuti tigokwanisa kududzira matanho akafanira kutorwa kugadzirisa kana pachinge paine dambudziko iri.’’ vakadaro District Environment Officer va Daniel Magombedze .