Vagari vekuMbizo vofarira kugadzirwa kwaMaunganidze


Kugadzirwa kwemugwagwa Maunganidze kunoenderera mberi mumushaweMbizo muKwekwe. 09 Jul 24

Click here to watch video

Vagari vekuMbizo muKwekwe vari kufarira kugadzirwa kwemugwagwa Maunganidze ,mumwe yemigwagwa mikuru mumusha uyu. Mugwagwa uyu wainge washata zvikuru zvaiomera vatyairi vedzimotokari kuushandisa. Mabasa okugadzirwa kwemugwagwa uyu akatotangwa kubva pamharadzano yawo newe Mbizo Road pedyo nenzvimbo yemabhizimusi eMbizo 4. Vachitaura nepepanhau rino Mayor veguta reKwekwe vaAlbert Zinhanga vakatsinhidzira nezvebasa iri. ‘‘first phase yedu iri kubva pa Rockodox kusvikira pa Grant’’ Kugadzirwa kwemugwagwa uyu ko yemurwa nevazhinji. Vari pedyo nemugwagwa uyu vanoti zvichavarerutsira padambudziko reguruva ,iro raipfumbuka richipinda mudzimba dzavo. Vamwe vanotiwo zvichasimudzira mabhizimusi avo ekutengesa ,sezvo mugwagwa uyu uchishandiswa nevanhu vakawanda. Migwagwa mizhinji mumusha unogara veruzhinji Angove makomba zvichitevera nguva refu isati yagadziriswa. Vanoshandisa dzimotokari vokurudzira kanzuru kuti vachimbidze yapedza basa rayo sezvo zviri kuvhiringa chose mafambiro avo sezvo migwagwa mizhinji inopinda pamugwagwa uyu yakapfigwa. Asi vamwe vanotiwo vari kupiwa mabasa okugadzira migwagwa muguta iri havasi kunyatsoita mabasa avo nemazvo. ‘‘Itarisiro yedu kuti pabasa rakatangwa iri richashandwa nemazvo. ‘‘Imwe yemigagwa yakagadzirwa munguva yadarika iyo yave kutaridza kuti haina kushandwa zvakanaka.’’akadaro mumwe mugari wemuKwekwe asina kuda kudomwa zita rake. Zvichakadaro vamwe vagari veku Mbizo 15 nekmp voti migwagwa yavo inonetsa kushandisa zvikuru munguva yokunaya kwemvura sezvo paine nzimwe nzvimbo dzinojenga mvura zvokuti motokari duku pamwe nemakombi vanonyenyeredza nzvimbo iyi.Vokurudzira vatungamiri veguta kuti vavabatsire.