23 Jan 26
Vemakombi muguta reKwekwe voti kushata kwemigwagwa kokanganisa basa ravo.
Izvi zvinotevera kunaya kwemvura yakawanda iyo yakaita kuti migwagwa mizhinji ichereke.
Vamwe vagari vedzimwe nzvimbo dziri kuMbizo voti ivo vari kutambura panguva dzemangwanani nenguva dzezuva rovira sezvo vamwe vemakombi vanenge vakwidza mitengo.
Vanogara kuMbizo 16,17,18 ndivo vari kunyanyokusangana nedambudziko rokushaya zvekufambisa sezvo vamwe vemakombi vasingachafarire kuendako nokuda kwekushata kwakaita migwagwa yeko.
Varidzi vedzimotokari dzinotakura veruzhinji vari kuti motikari dzavo dziri kugara dzachifa nekuda kwekushata kwemigwagwa.
kutakura vanhu ndiro basa redu ,asi pari zvino hatichawani pundutso naro nokuda kwekuti motikari dzedu dzave kugara nguva zhinji dziri kumagaraji ,zvakare tave kushandisa mafuta akawanda kufamba nzendo pfupi ,akadaro mumwe mutyairi asina kuda nezita rake.
Nguva dzemangwanani nemanheru mitengo inokwidzwa
tave kutambura kufamba zvikuru panguva dzemangwani nenguva dzekuchaisa kumabasa sezvo mitengo inokwidzwa kusvika paUsd $1 kuenda nekubva kumabasa, akadaro Susan Mlambo mugari wekuMbizo 17.
Kanzuru yokurudzirwa kuti vagadzirise migwagwa nekukasira kuitira kuti vagari varerukirwe uye vafambe vakasununguka.