Vanhu vanodarika zviuru mazana matanhatu vakawaniswa zivo nezvemari itsva iri kuuya


25 Mar 26

Click here to watch video

Bhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe RBZ iro rakaparura chirongwa charo chedzidziso nekuzivisa veruzhinji nezve mari itsva dze Big 5 ZiG, chave kusvika kwamvura yacheka makumbo uye vanhu vanodarika zviuru mazana matanhatu vakagashidzwa zivo.

Chirongwa ichi chakaparurwa musi wa 1 Kurume 2026, chiri kuitwa mwedzi wose kusvika musi wa31 Kurume 2026, chiine nedonzvo rekudzidzisa veruzhinji nezvemamiriro akaita mari iyi nemicherechedzo yakakosha sezvo mari iyi ichizotanga kushandiswa musi wa7 Kubvumbi 2026.

Gavhuna weRBZ Dr. John Mushayavanhu vakaparura zviri pamutemo chirongwa ichi muHarare musi wa2 Kurume, Bulawayo musi wa3 Kurume, uye kwaMutare musi wa4 Kurume 2026.

Kusvika musi wa 15 Kurume 2026, kushambadzira uku kwakasvikira nzvimbo nematunhu mazhinji munyika pakave nevakadzidziswa vanodarika zviuru mazana matanhatu

Kushambadzira pamwe nekusangana nevanhu uku mumaguta nekumaruwa ndekwekuti veruzhinji vazive nezvemari itsva dzeZig 10, 20, 50, 100, uye 200. kuvaka chivimbo mari iyi isati yaburitswa