Vanochinja mari mumigwagawa voti masamba achinja


04 Jul 23

Click here to watch video

Vanorarama nokuchinja mari zviri kunze kwemutemo mumigwagwa yeguta reKwekwe voti vave kuomerwa sezvo mari yemuno isiri kuwanikwa nyore.

Vanochinja mari ava vanowanikwa zvikuru munhivi dzemigwagwa yeguta zvikuru pedyo nezvitoro zvikuru zvinotengesa zvekudya kufanana ne OK ,PICK’N’ PAY neSPAR

Kukwira kwakaita exchange rate pakati pemari yemuno (ZWL) neye kuAmerika (USD) masvondo mana adarika kwakakwidza mitengo yezvitengwa zvizhinji zvakasiya voruzhinji vasina pokutangira.

Sezvo podiwa mari zhinji yemuno kuti utenge dhora rimwe chete rekuAmarika.Vanochinja mari vari mumigwagwa vave kukundikana kuti vabhadhare nemari yemuno zvinoenderana nemitengo yemuzvitoro zvikuru uchishandisa ecocash kana swipe.

‘‘mwaka uno masamba akachinja ,kukwira kwakaita exchange rate kwakatisiya tisina pokutangira ,sezvo mari yemuno iri kunetsa kuwana.’’

‘‘Vezvitoro ndivo vari kukonzera kuti zvidaro sezvo navo vavekushandisa ma rates ari pamusoro peedu’’

‘‘izvi zvave kuita kuti vatengi vasarudze kunoshandisa mari yekunze Amarican dollar kana vachitenga.’’ akadaro Mary Sihle mumwe wevanochinja mari ari muberevere rechimwe chitoro chikuru chiri muguta iri.