28 Mar 26
Vashandi vazhinji vononga svoswe nemuromo nekuomerwa zvichitevera kukwira kwakaita mutengo wemafuta edzimotikari munguva pfupi yadarika , asi mari yavanotambira ichiramba yakaderera.
Vamwe vashandi vemuzvitoro muguta reKwekwe avo vanotambira mari iri pakati pe 80usd – 100usd vari kuti kusiya basa kuri nani sezvo mari yavo yose yave kuperera pakubhadhara zvekufambisa kuuya kubasa.
‘’tinenge tichitarisirawo kuti vatinoshandira vatibatsire nemari yekufambisa uyewo neye Lunch ,asi vashandirwi vazhinji vari kutaridza kusatirimuka panyaya iyi’’ akadaro mumwe mushandi asina kuzivikanwa nezita.
Asi vamwe vashandirwi voti hayisi mhosva yavo sezvo navo vachitoshingairira kuti basa rivepo kunyange hazvo mitengo yekugadzira zvigadzirwa pamwe nedzekubhadhara pavanoshandira zvichiramba zvichikwirawo.
‘’Zvave kuda kutoonesana pakati peveshandi nevashandirwi nekuti ndivo vanoiziva mashandiro avari kuita.Kana bhizimusi ravo richivapa mari vanofanira kutaurirana kuti vashandi varerukirwe’’
Hurumende yakazivisa kuti ichawedzera vashandi vayo mari yekutambira kutanga musi wa1 Kubvumbi 2026.
Kusagadzikana mune zveupfumi kuri kuitika pari zvino kuri kukuonzerwa nekurwisanakuri kuMiddle East uko kunobva mafuta edzimotikari mazhinji.
Posted on:07 Aug 2025
Posted on:11 Feb 2025
Posted on:22 Nov 2024
Posted on:02 Jul 2024
Posted on:06 Feb 2024
Posted on:21 Nov 2023
Posted on:16 Nov 2023
Posted on:05 Jun 2023
Posted on:14 Dec 2022
Posted on:01 Nov 2022