02 Mar 26
Mangwanani anhasi, gurukota rezvemitemo, VaZiyambi Ziyambi, vazivisa kuti vasungwa zviuru zvina nemazana matatu nevashanu vachabatsirikana neruregerero rwemutungamiri wenyika sekuziviswa kwazvakaitwa nguva pfupi yadarika, kusanganisira madzimai mazana maviri nemakumi maviri nevatatu.
Kuburitswa uku kunotarisirwa kubatsira kurerutsa kuwandirwa mumajeri.