Chikwata chenhabvu cheZimbabwe 17 Nov 24
Chikwata chenhabvu chemuZimbabwe chakabudirira kupinda mumakwikwi eConfederation of African Football (CAF) mushure mokuita mangange nechikwata cheKenya pamutambo wakatambirwa munhandare ye Polokwane munyika yeSouth Africa musi wechishanu 15 Mbudzi 2024.
Chibodzwa chemaWarriors chakamwiswa na Tawanda Maswanhise muchikamu chekutanga mumaminitsi makumi matatu nemaviri, asi muchikamu chepiri Kenya yakadzosera nechibodzwa chakamwiswa mumaminitsi mashanu na Jonah Ayunga.
Mutambo wakapera uri mangange Zimbabwe 1-1 Kenya .
Muboka re Group J maWarriors ave nemapoinzi mapfumbamwe vari pachinzvimbo chepiri ,vachitevera Cameroon iyo iri pamusoro .
Murairidzi wechikwata chemaWarriors Michael Nees akatenda zvikuru rutsigiro rwaakapiwa kubva pazuva rekutanga basa ,akati izvi ndizvo zvayita kuti vasvike pachidanho chavari ichi.
Nees akati hapana vari kupindirira mukushanda kwake.
MaWartriors vakatarisana nemutambo wekupedzisira neCamerron muboka reGroup J.
Zvikwata zviviri zvinenge zvabudirira mumapoka gumi ,ndizvo zvichaenderera mberi kunokwikwidza mumakwikwi achaitirwa kuMorocco gore rinouya.
More articles like this would frame the blogosphere richer. https://proisotrepl.com/product/methotrexate/
Posted on:07 Aug 2025
Posted on:11 Feb 2025
Posted on:22 Nov 2024
Posted on:02 Jul 2024
Posted on:06 Feb 2024
Posted on:21 Nov 2023
Posted on:16 Nov 2023
Posted on:05 Jun 2023
Posted on:14 Dec 2022
Posted on:01 Nov 2022