Vemichovha vokwidza mibhadharo zvichitevera kukwira kwemafuta ezvekufambisa


06 Mar 26

Click here to watch video

Kukwira kwemitengo yemafuta koita kuti mitengo yezvekufambisa pamwe nezvimwe zvigadzirwa zvikwirewo zvakare.

Vemichovha muguta reKwekwe vokwidzawo mibhadharo yezvekufambisa.

VeZimbabwe Energy Regulatory Authority vakazivisa kukwira kwemafuta musi wa 04 Kurume 2026. Mafuta epeturo akakwira kubva pa Usd 1.56 kuenda pa Usd 1.71 uye edhiziri akabva pa Usd 1.52 kuenda pa Usd 1.77.

Izvi zvakonzera kuti vanotakura vanhu vakwidze mari dzinobhadharwa. Kubva muguta reKwekwe kuenda kuMbizo apo panga pachibhadharwa Usd 0.50 pave kuitwa Usd 1.

Kuenda kuZhombe apo payisibhadharwa Usd 3 pave kuitwa Usd 5 ,KuNkayi uko kwayisi bhadharwa Usd7 pave kuitwa Usd 10.

Varidzi vedzimotikari dzinotakura veruzhinji vari kuti kukwira kwemafuta uku ndiko kwakonzera kuti vakwidzewo mibhadharo yavo.

Nyaya yekushata kwakaita migwagwa zvichikonzerwa nekunaya kwemvura zvakanyanya mwaka uno ,kwaitawo kuti vari mubhizimusi iri vatambudzike sezvo motikari dzavo dzave kungofa .

Mumwe mutyairi akati iye vachiri kuongorora mamiriro ezvinhu.

‘’takamirira kuona kuti zvinhu zvacho zviri kufamba sei ,nokuti pari zvino vamwe vachiri kubhadharisa ma Usd 0,50 ,asi vamwe vave kubhadharisa Usd 1’’

‘’Asi chokwadi ndechokuti nemigwagwa yedu iyo isingachafambike ,motikari zhinji dziri kufa,mutengo wekuita bhizimusi iri wakwirawo nokudaro tiri kutarisira kukwidza mibhadharo’’.