Yaimbova hotera ine mukurumbira yosandurwa kuve zvitoro


05 Feb 26

Click here to watch video

Ayive madziva ave mazambuko hotera yakamboita mukurumbira muguta reKwekwe yave nzvimbo yekutengesera mbatya nemidziyo

Hotera yaizivikanwa kuti Phoenix iyo yakange yavekunzi Shumba iyo yakavakwa kumakore ekuma1930s yakamira kushanda kupera kwemwedzi waNdira 2026 mushure menguva refu ichitatarika

Nzvimbo iyi yave kushandurwa kuve nzvimbo ine zvitoro nemahofisi.

Mabasa ekuvandudza chivakwa ichi kuti pave nezvitoro akatovambwa.

Hatina kukwanisa kunzwa zvizere kubva kuvaridzi venzvimbo iyi vekwaNaran maererano nehurongwa hutsva uhu.

Kushanduka kwemamiriro ehupfumi pamwe chete nemisika koita kuti pave neshanduko yemafambisirwo emabasa nezvinodiwa neveruzhinji.

Vari mumabasa emahotera vari kusangana nematambudziko makukutu anosanganisira mari yakawandisa inodiwa mukufambiswa kwemabasa avo.

Kuwanda kwenzvimbo dzinosvikira vaenzi dzinobhadharisa mari yakaderera ndechimwe chikonzero mahotera mazhinji mumaguta ari kutararika mukuita mabasa avo. sezvo vazhinji vomhanyira kune mitengo yakaderera uye kune nzvimbo dzakachengetedzeka dzisina ruzha rwakanyanya kana tichienzanisa nenzvimbo dziri pakati peguta.