22 Nov 24
VeZimbabwe Energy Regulation Authority voshushikana nekuwanda kuri kuita maGas Cylinder asina kuongororwa kodzero yekushandiswa kwavo zvisingazokonzeresi njodzi.
Mashoko aya akabuda pamusangano wakarongwa neZERA uyo waisanganisira vatori venhau mudunhu rekuchamhembe renyika uyo wakaitwa musi wa06 Mbudzi 2024
veZERA vakati ivo maGas cylinder aya anogona kuve njodzi huru kune veruzhinji.
Mamwe maGas cylinder zvikuru ane huremu hwe 48 kg ,ari kupinda munyika zviri kunze kwemutemo achibva kunyika dzakatikomberedza ,izvi zvinokonzerwawo nekuda kwemutengo yawo yakaderera zvichienzaniswa nekumatenga muno.
Zvinenge zvakakosha kuti varidzi vema Gas cylinder aya vapote vachimaongorora kukodzera kwawo kushandiswa kuitira kuderedza njodzi paanoshandiswa neveruzhinji
Zimbabwe ndiyimwe yenyika iri kutungamira mukushandiswa kweLP Gas muAfrica izvo zvinoderedza huwandu hwekushandiswa kwemagetsi.
LP gas rakanaka chose hariburitsi mweya wetsvina unosvibisa nharaunda uye rine simba rakakwirira zvikuru mukurishandisa zvichienzaniswa nedzimwe mhando dzemoto.