ZIFA inogadza murairidzi mutsva wemaWarriors


05 Nov 25

Click here to watch video

Sangano rinotungamira zvenhabvu munyika reZimbabwe Football Association (ZIFA) rakazivisa nezve kugadzwa kwemurairidzi mutswa kutungamira chikwata chenyika chema Warriors.

Mashoko kubva kusangano iri ayo akatumirwa padandemutande musi wa4 Mbudzi 2025 anoti Marian (Mario) Marinica ndiye ave mutungamiri mutsva wechikwata chevarume kwemwedzi gumi nemiviri.

Zifa yakati Marinica anounza unyanzvi nezivo sezvo ave nenguva yakareba makore anodarika makumi maviri nemishanu achitungamirira zvemitambo yenhabvu muzvikwata zvakatsaukana pasi rose.

Akambotungamira chikwata cheMalawi necheku Liberia uko akasiya akasiya avandudza zvikwata izvi.

Asi vamwe vatsigiri venhabvu havasi kufara nedanho iri vachiti ivo Marinica haakodzeri sezvo akakundikana kusimudzira chikwata chekuMalawi izvo zvakaita kuti amiswe basa ikoko.

Vamwewo voti basa iri rainofanira kupiwa varairidzi vemuno muchikamu chegadziriro yemitambo ye Afcon zvaizopawo ZIFA nguva yekutswaga murairidzi anozotungamira chikwata ichi muneramangwana.

Izvi zvinotevera kumiswa kwakaita Michael Nees semurairidzi mukuru wechikwata chema Warriors mushure mokukundikana kukunda mutambo mumwe chete zvawo pamitambo gumi ye2026 FIFA World Cup qualifying campaign.

.