Zimbabwe yakakundikana kuenda mberi mumakwikwi eCOSAFA


09 Jul 24

Click here to watch video

Chikwata chenyika chemutambo wenhabvu chakundikana kuenderera mberi mumakwikwi emukombe weCOSAFA mushure mokukundwa nechikwata chenhabvu chekuKenya . MaWarrious vakakundwa nezvibhodzwa 2 - 0 pamutambo wakatambwa nemusi wechipiri 2 Chikunguru munhandare ye Wolfson kuPort Elizaberth munyika ye South Africa. Zimbabwe yange iri muchikwata chegroup B icho chaive nenyika dzaisanganisira Kenya ,Zambia neComoros. Pamitambo miviri yokutanga Zimbabwe yakakwanisa kukurira Comoros neZambia ,asi pane wekupedzisa ndipo payakabaiwa panyama nhete apo vakakundikana kukurira Kenya kuti vaenderere mberi kuchikamu chema semi-finals. Murairidzi wechikwata chemaWarriors Jairos Tapera akati munyange hazvo asina kufara nokubuda mumakwikwi aya ,asi anorumbidza kutamba kwakaita chikwata chake. ‘‘handina kufara nokukundikana kwedu kenderera mberi nezira iyi’’ ‘‘vakomana vaedza neavanogona napo kuti vasakurirwe ,asi zvakona n’anga murapwa achida’’ akadaro Tapera. Muchikamu chema Semi Finals Comoros yakazokundwa ne Angola 2 - 1 uye Mozambique yakakundwawo ne Namibia kumapena 4 - 2 kushure mokunge mutambo wapera uri mangange 0 - 0. Izvi zvinoreva kuti chinzvimbo chechitatu Comoros ichange ichitashurana neMozambique nemusi weSvondo 7 Chikunguru munhandare yeNelson Mandela Bay (NMB ) kuPort Elizabeth muSouth Africa nenguva dza 12 masikati. Nenguva dza 3 pm zuva rodoka , mutambo wekupedzisira uchatambwa munhandare imwe chetewo pakati penyika yeAngola neNamibia. Vatsigiri venhabvu muZimbabwe vanogaro nyunyuta nekuda kwemafambisirwo anoitwa mutambo uyu munyika ,izvo zvadzorera kubudirira ,zvichienzaniswa nemakore adarika. Imwe nyaya inotemesa vazhinji musoro kushaikwa kwenhandare dzakanaka dzokutambira mitambo yakatsaukana. Izvi zviri kukonzera kuti chikwata chenyika chipedzisire choshandisa nhandare dzedzimwe nyika pamitambo yayo mikuru. Vamwe ndevanoti kushaikwa kwemari ,uye kuoma mune zveupfumi hwenyika ndezvimwe zvikonzero.