27 Feb 26
Hurumende yeZimbabwe yakambomisa kuburitswa kwezvicherwa zvichiendeswa kunze kwenyika kusanganisira chicherwa che lithium.
Gurukota rinoona nezvemigodhi pamwe nezvicherwa vaPolite Kambumura vakazivisa danho iri musi wechitatu 25 Kukadzi 2025 vari muguta reHarare
.Kumbomiswa kwekuburitswa kwezvicherwa zvichienda zvakangodaro kune dzimwe nyika ,mucherechedzo wekuti hurumende yazvipira kuti pasave nezvicherwa zvinobuda munyika pasina chouviri chinobatsira nharaunda uye kujeka kwemafambisirwo ezvicherwa.
‘’hurumende yamisa kutengeswa kunze kwenyika kwelithium concentrate uye zvicherwa zvisina kutsetsenurwa kusvika pazoziviswa mamwe mashoko’’ vakadaro vaKambumura.
Lithium ndechimwe chezvicherwa chirikumhanyirwa nenyika zhinji pasi rose ,icho chinoshandiswa mukugadzirwa kwemabhatiri kusanganisira edzimotokari.
Hurumende iri kutora matanho kuchengetedza upfumi hunowanikwa muzvicherwa kuti uvandudze upenyu nemagariro everuzhinji.