Zvikova zvofashukira muguta reKwekwe


11 Jan 26

Click here to watch video

Mvura zhinji iri kunaya munyika yoita kuti dzimwe nzvimbo dzakaderera dziite mafashamu.Muguta reKwekwe vatyairi vedzimotokari nhasi vamwe vanga vachishushikana kuyambuka chikova chinoyambukwa nemugwagwa Industrial Road nepaunobatana nemugwagwa Clyde Avenue nekuda kwemvura zhinji yanga ichifashukira nepamusoro pezambuko.

Zvichakadaro veruzhinji vari kukurudzirwa kuti vangwarire pakushandisa mugwagwa uyu.

Zvichakadaro pane mimwe migwagwa mizhinji isiri kufambika nekuda kwezvikova zvinodarika nepairi kusanganisira mugwagwa wekuHillandale.

Vagari vekuMasasa Park vari kunyunyuta kuti migwagwa mizhinji yonetsa kushandisa nekuda kwemakomba ari kukonzerwa nekunaya kwemvura