Jekeso

Hurumende yavimbisa kubatsira vakawirwa nenjodzi yechimvuramabwe kuMasvingo

Hurumende yavimbisa kubatsira vakawirwa nenjodzi yechimvuramabwe kuMasvingo
Munyori mukuru mubazi reLocal Government and Public Works Eng. Tafadzwa Muguti

Hurumende yavimbisa kuti ichabatsira vakawirwa nenjodzi yakakonzerwa nemvura yakanaya ine dutu remhepo nechimvuramabwe kuMasvingo musi wemuvhuro 05 Gumiguru 2026 ,iyo yakaparadza dzimba nemidziyo yakakosha.

Munyori mukuru mubazi reLocal government and Public works Engineer Tafadzwa Muguti vati ivo ,vamwe vakawirwa nenjodzi iyi vatoendeswa kunzvimbo dzakachengetedzeka kwavachanowana rubatsiro.

‘’Tine urombo kuti mhuri zhinji dzakawirwa nedambudziko rechimvuramabwe vakarasikirwa nemidziyo yavo dzimba zhinji dzakaparadzwa pamwe nemotikari dzavo ,asi zvakare ndinofara kukuzivisai kuti mhuri zhinji dzaendeswa panzvimbo dzakadziviririka’’

‘’Sehurumende tiri kushandidzana nemamwe mapoka akazvimirira kuitira kuti tigadzirise dzimba dzakapazika mumazuva mashoma ari kutevera uye tigoramba tichitsigira nezvekudya nepekugara’’

‘’Potraz ichange ichishandidzana nemakambani edzinhare kuitira kuti mashoko afambiswe nekuchimbidza vanhu vagare vakagadzirira ,tichange tichitarisira chimvuramabwe zvikuru muHarare manheru anhasi.‘’.

‘’Nokudaro veruzhinji vanokurudzirwa kuti vagare vakangwarira’’ vakadaro vaMuguti.

Vagari vanokurudzirwa kuti kana vachinge vawirwa nedambudziko vachida rubatsiro vanogona kuzivisa mahofisi emakanzuru kana yaDistrict Development Co-ordinator kumatunhu avo.

Mhinduro (0)

Dzimwe nhau