Chikwata cheHardrock chazviita zvakare kusimudza mukombe wepiri mumwaka wenhabvu wa2026 ,mushure mekuzvambura chikwata cheHighlanders FC nezvibodzwa 4-0 pamitambo watambirwa munhandare yeChahwanda muguta reKwekwe nhasi 28 Mbudzi 2026.
Mutambi anobva kunyika yeEswatini Yeki Khumalo ndiye avhura mupaka mumaminitsi 39 uye Nigel Matinha amwisa chibodzwa chepiri mu45 minitetsi zvaita kuti Hardrock iyende panguva yekuzorora vakatungamira.
Mumaminitsi 47 vachangobva kuzororo Prince Dube abva amwisawo chibodzwa chetatu.
Prince Ndlovu ndiye azovharisa mutambo nekumwisa penareti mumaminitsi 71 emutambo uyu.
Hardrock ndiyo yakasimudza mukombe mukuru we Castle lager Premier League wegore rino zvinopupura kushanda kwakaomarara kwechikwata ichi pamwe nemurairidzi wacho Kelvin Kaindu.
Hardrock FC shasha yemukombe weChibuku
Tonderai Marindire





Mhinduro (0)