Chikwata che Hardrock ndicho chatora mukombe weCastle lager Premier soccer league wa2026 mushure mokukunda FC Platinum chechibodzwa 1-0 zvaita kuti chive pamusoro pezvikwata zvose nemapoinzi 73.
Kukunda uku kwauya mushure mekushingairira kukuru mumakwikwi anga akaoma zvikuru sezvo chikwata che Scotland FC changa chichifemera mugotsi.
Pese paitora mukana wekutungamira chikwata cheHardrock FC, Scottland yaipindura nekungwarira kukuru uye nekururama, zvichiita kuti makwikwi emukombe uyu aenderere mberi kusvika pazuva rekupedzisira.
Pakusvika zuva rekupedzisira, Hardrock yave nemapoinzi 73, ukuwo Scottland yaive pedyo zvikuru nayo iine mapoinzi 71.
PaChahwanda Stadium, ruzha rwevatsigiri vekuKwekwe rwazunza nhandare yose.
Hardrock FC yaita nhoroondo huru yokunza mukombe uyu muguta reKwekwe.
Apunyaira haashayi musodzi ,Hardrock FC yaita nhoroondo mumakwikwi eCastle Lager Premier league.





Mhinduro (0)